Isaiah 57

1Vakarurama vanoparara,
uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make;
vanhu vanoda Mwari vanobviswa,
uye hakuna anonzwisisa
kuti vakarurama vanobviswa
kuti vanunurwe kubva pane zvakaipa.
2Vose vanofamba mukururama
vanopinda murugare,
vanowana zororo pavanovata murufu.
3“Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi,
imi chibereko chemhombwe nezvifeve!
4Muri kuseka aniko?
Ndiani wamunohomera
uye wamunobudisira rurimi rwenyu?
Ko, hamusi chibereko chemhandu here,
nechizvarwa chavanoreva nhema?
5Munotsva noruchiva pakati pemiti
yemuouki napasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira;
munobayira vana venyu mumipata
napasi pamapazi akarembera.
6Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu;
izvozvo, ndiwo mugove wenyu.
Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri,
uye ukapa chipiriso chezviyo.
Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here?
7Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu;
ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro.
8Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvako
wakaisa chirangaridzo chavamwari vako.
Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako,
wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo;
wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda,
uye wakatarisa kusasimira kwavo.
9Wakaenda kuna Moreki namafuta
omuorivhi ukawedzera zvinonhuhwira zvako.
Wakatumira nhume dzako kure;
wakaburukira kuguva chaiko!
10Wakaneteswa nenzira dzako dzose,
asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’
Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako,
nokudaro hauna kuziya.

11“Ndianiko wawakatya uye ukavhunduka
zvokuti wakazoreva nhema kwandiri,
uye hauna kumbondirangarira
kana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako?
Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyarara
iwe ukasanditya here?
12Ndichaisa pachena kururama kwako namabasa ako,
uye hazvizombokubatsiri.
13Paunochemera rubatsiro,
zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire!
Mhepo ichazvikukura zvose,
mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure.
Asi munhu anondiita utiziro hwake
achagara nhaka yenyika,
uye gomo rangu dzvene richava rake.”

Kunyaradzwa kwaVane Mwoyo Yakapwanyika

14Uye zvichazonzi:

“Vakai, vakai, gadzirai mugwagwa!
Bvisai zvipinganidzo munzira yavanhu vangu.”
15Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro,
iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene:
“Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene,
asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa,
kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa
uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.
16Handichapi mhosva nokusingaperi,
kana kugara ndakatsamwa,
nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu,
kufema kwomunhu wandakasika.
17Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara;
ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu,
asi akaramba ari munzira dzaaida.
18Ndakaona nzira dzake,
asi ndichamuporesa; ndichamutungamirira uye ndichamunyaradza,
19ndichisika rumbidzo pamiromo yavanochema muIsraeri.
Rugare, rugare kuna vari kure navari pedyo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye ndichavaporesa.”
20Asi vakaipa vakafanana negungwa rinozungunuka,
risingagoni kuzorora,
rina mafungu anorasa marara namatope.
21Mwari wangu anoti, “Vakaipa havana rugare.”
Copyright information for SnaBDSC